Vanetsa vanhu ivava.
Ndakasvika kusha ndokuenda panzvimbo inove mangondo ane mapopoma emvura. Apa pakagara pachiera kubvira kare. Kana dunhu rasvikirwa nenguva yakaoma, vanhu vaikokorodzana vakatakura doro ravo, kudya kwavo, ngoma dzavo, mbira dzavo uye hosho nemachira avo anoera. Vasvika panzvimbo iyi, vaiita Chikaranga chavo chekuchema kana kupira nhuna dzavo kuna Nyadenga nevari pasi. Pavaiita izvi, vaiimba nekutamba ngoma dzavo.
Zvino pandakasvika panzvimbo iyi, ndakaona pakazara machira matsvuku nemachena. Hari dzaigara pakapako kari paseri pemvura inotsvotsvoma dzaive dzakakunzwa. Izvi zvakaita kuti ndikanuke zvikuru.
"Ko ichi chiiko chirikuitaka pano, nhai Bvudzijena?" Ndakabvunza Makwiramiti uyo anova munin'ina azvarwa nomunin'na waamai vangu.
"Ah, Moyo," akadaro Bvudzijena achizunza musoro uye ane chiso chaive chakasuruvara zvikuru, "ndiwoka Mapostori ekwaMarange!"
"Mapostori ekwaMarange?"
"Ehunde, muera Moyo."
"Muri kuti kudii chaizvo, Makwiramiti?"
"Nyika yaminama, mukoma. Panzvimbo ino hapana chakanaka gore negore. Pese panoungana vanhu kuti vaite Chikaranga chavo, Mapostori ekwaMarange vanoita murakatira kumhanya vakananga pano; vana, majaya, mhandara, madzibaba zvese namadzimai, vanounga kumativi ese ehova."
"Vachiungana kuti zviite sei?"
"Aikaka, vanotanga kukaida dzimbo dzavo dzechipostori panguva inenge ichiitwa Chikaranga. Pano panotoita anenge makwikwi chaiwo. Paita basa chairo."
"Ko micheka michena nemitsvuku ndeyei? Ini ndagara ndinoziva mavara aya ndee ndufu neropa kana toita Chikaranga."
"Honguka, Chirandu. Mapostori ndiwo anokanda machira iwaya. Havapereri ipapo. Zvikari zvese zvedoro remipiro vanopwanya netsvimbo dzavo. Vapedza kudaro vodira mvura dzavo dziye dzinoti katse-e kunhuhwa."
"Aizve!"
"Ndiro dambudziko ratiwira. Chese chinoera paChikaranga chafumurwa nawo mapostori ekwaMarange iwaya. Hurumende haina kana hanyn'a nemashiripiti aya." Zvaaitaura kudai, mapfudzi aBvudzijena aive achiita seakasenga mutoro unorema pakukutu.
Handina kuzobvunza zvakawanda nokuti ndakangonyumwawo zvangu panyaya yacho. Vanamati vaJohane Masowe, avo vozviti vatendi, nezvimwewo zvitendero zvakauya pakauya Varumbi, vakapuhwa masimba makuru neavo vanotonga nyika yeZimbabwe. Pese panoungana vatongi venyika ino, vatendi ava vanoenekwa vakati ware-ware kugara pagungano rega-rega rezvenyika. Nehuwandu hwavo, vatove nesimba rekuita zvavanoda vachiziva zvavo kuti hapana anombovati kwebve kana nekasiyanwa zvako.
Ndiyo nyatwa yapinda munyika, Samanyanga Nzou.
No comments:
Post a Comment